08/08/2026
*Madzinza*
Mukurarama kwedu sevanhu vatema tine mipatso yema dzinza yakatiwandei. Dzinza rimwe ne rimwe rine mutupo varinodaidzwa naro. Hazviite kuti vemutupo yakasiyana vanzi ndeve dzinza rimwe. Dzinza rimwe ne rimwe rine mateuriro arinoita kuna Musikanavanhu nemabatiro arinoita chivanhu. Iye Musikavanhu ndiye akadzikisa nzira idzi nekupa mukombe kudzinza rimwe nerimwe kuti rishumire. Nhasi uno nzira idzi hapana achatedzera asi ndiwo musimboti unotipa chirewo, chimiro nemasimba semuenzaniso
*Vayera Soko*
Dzinza revayera Soko ndiro rakapihwa mukombe vekuyeresa mamwe madzinza ose neivhu Rose. Iyi ndiyo mhuri inotungamira pachinamato chedu isu vatema. Mabasa emhuri ii anosanganisira kuyeresa bikiro (Fodya), kuyeresa mitunhu ndiyo zvakare imba yeva nyai vemvura. Dzinza revayera Soko ndimi munobuda akasanangurwa ane chikodze chekunosangana na Dzivaguru parushanga kamwe chete pagore vachiteurira zvitadzo zvevana kana zvitadzo zvevatema. Mhepo huru dzeimba iyi dzinosanganisira Tombosike, Murenga, Sororenzou, Mavhudzi, Chipuriro uye Nyereyemhuka, Chapo na Dumburechuma.
N. B VaNyai ndiwo vanokumbira mvura kuna Dzivaguru. Chiratidzo chepasi kuti muzinda uyu unoera hauchengetwe nemauto unochengetwa nemapfeni.
*Vayera Mhofu*
Iri idzinza rakabarwa nerimwe dzinza. Vayera Mhofu ndiwo vane mukombe vehondo tsivo yavagamuchidzwa paparadzana Murenga na Mushavanhu/Mushavatu uyo azoroora mwana vaMurenga. Dzinza revayera Mhofu rakapihwa simba rekutungamirira hondo nekudzikunda. Munguva dzesh**e ndivo vakarovera hoko munyika ye Dzimbahwe kana Chivavarirwa. Kuri kupinga nyika kuti ropa zhinji risadeuke. Mumba umu ndino makabva varume vehumare vakafanana na Nyashanu, Nevanji (Seke Mutema), na Gutsa Muparadzi uyo aifamba nenyika achikurira hondo. Ndiko kubarwa kwenyika dzose dzevayera Mhofu.
Mbiru dzapasi uyo aiwa izwi pakutanga akabata muimba iyi ndokutsitsa mukombe vawo. Pakazotorwa muhera mwanasikana akava chipiriso chenyika iye ndokutsitsa nyika.
*Vayera Moyo*
Dzinza revayera Moyo rakapihwa mukombe vekutonga madzinza nekuti vapenyu vachengete mitemo uye zvose zvapasi. Tsivo yevhu yakadzika muimba iyi kuti igadze madzishe nemadzimambo nokupedza magakava ematunhu kutara miganhu nekugarisana zvakanaka kwevapenyu. Vazhinji vanofunga kuti vayera Moyo ndiwo varidzi venyika asi kwete ivo vakabatiswa mukombe. (Nyika vanhu)
Madzimambo evayera Moyo akatara miganhu anosanganisira Nerwande, Kapararidze, Mutota, D***olakochingwanu (Changamire D***o), Chibatamatosi, Chikuravadyembeu, Dumbukunyuka, Mazungunye na Mutindini.
*Vayera Dziva*
Dzinza revayera Dziva, ndiro rimwe remadzinza akatanga kutumwa munyika yeChivavarirwa ndokupihwa mukombe vekutonga mweya iri muma dzinza. Kuyananisa nekugadza hukuru hwemweya kumadzinza ose. Sezvamunoziwa pasichigare mhondoro dzairwisana uye dzaiyedzana masimba zvinowa zvaigona kuvhiringa matunhu, hondo idzi dzaipedzwa kana kugadziriswa nemba yevayera Dziva iyo yaireva kana kugadza mutsanangurwa/mutungamiri mumatare emweya aya. Kana paine vanenge varamba kutera mitemo yevayera Dziva, vaizovirwa nemadzudzo kana matambudziko anosanganisira kusanaya kwemvura, kudyirwa munda, kana kupambwa/ kurwiswa nevawengi kusvika vadzokera kunotera makwara. Imba yevayera Dziva ndiyo yega imba yabuda Gombwe kwete zvatinoona nhasi makombwe atekeshera nenyika yose. Dzimwe homwe dzakabata mukombe vevayera Dziva kumash**e dzinosanganisira Karuva, Dandemutande, Dzivaguru, Marwei na Kavanza/Kasahwa na Chiodza.
N. B GOMBWE mweya usina kubvira vararama semunhu asi vakatumwa naMusiki.
*Vayera Shumba*
Dzinza revayera Shumba rakapihwa mukombe vachibva ma zambuko. Kana mhondoro dzichinge dzakundikana uye nyika yaremerwa kana izvi raMusikavanhu richinge radzima pasi pasisina tariro paitswagwa VaChide mutakuri vemukombe verunyararo wedzinza revayera Shumba. Zvaigaro itika nedzimwe nguva kana vapenyu vachinge vatadza uye mhondoro dzakundikana kuripira madzudzo anenge avira nyika VaChide vaikwira gomo kana kuenda panzwimbo yavaiziwa iwo (zvakavanzika) vonoteura mukombe vawo unowa musodzi vepasi kuti Musikavanhu arangarire chitsidzo chake kuti aizobvumbamira mhuri dzaakatuma munyika yeChivavarirwa kunyangwe dzichitadza. Musikavanhu aizorangarira chitsidzo chiya opa VaChide izwi uye mutoro kuti vapenyu vagadzire kuti izwi rigone kutaura ne gombwe ne mhondoro, mhondoro nemudzimu, midzimu nemadzimambo ayo aizosungira vapenyu kutevedza zvose nemo nemo pasi rovana kupona zvakare. VaChide vakabata basa iri vanosanganisira Gandadzimba, Nerupinga, Tohwechipi, Chipinda
Nhasi vatema hatichaziwe kwekunanga kana tavirwa nematambudziko. Unoona arikutswaga mbereko achinotura ku mhondoro yemvura, kana ari kuchemera pfuma achienda kumukombe vehondo. Chikonzero madzudzo asiri kupera vapenyu hawachaziwe mabatiro makumbiriro, kweku kumbirira, veku kumbira uye nguva dzeku kumbira. Ane nzeve ngaanzwe hakuna anoenda kumunda munguva yehondo kana anotamba ngoma munguva yezhizha. Ranhasi rangowa musanganiswa nhava yebenzi. Zvakakosha vapenyu kuti tiziwe madzinza edu uye mhepo dziri kuti batsira munhau dzedu.
Mumwe nemumwe akadzidza mateuriro edzinza rake tose tinokunda. Madzudzo atinochema nawo haazowe madzudzo uye tichaona pajanhe pasina muroyi asi kushaya zivo ndiye muroyi mukuru. Ko sei nhasi vese apinda mudare anzi atswake mucheka veretso, anzi atsware nhekwe uta nemuseve? Ndizwo here zvedzinza rako? Zvine chiyamuro here muhupenyu hwako? Kana dzinza rako richeteura nemudhombo vadirei kutswaga nhekwe yebikiro isina chiyamuro. Musapedze nguva yenyu kuteya nzou neriva. Nhasi ukanzi une hushavi vawa kutengeswa zvombo zvemuvhimi vemhuka (uta nemuseve) iwe uri hurudza vemapadza. Ngatisvinurei tisidyiwe takasvinura sematemba. Kana tichinge topembedza hushavi muumbi vehari ngaapembedze rake, muredzi vehove ngaapembedze rake, hombarume opembedza rake shavi rimwe nerimwe roshavira pwere yaro pfuma. Zvino ukapa muredzi vehove pfumo achabata sei Hove? Ko iye murimi ukamupa bakatwa acharwa nezvirimwa here?
Ngatizive kwatinobva tigoziwa kwatiri kuenda. Mumwe akati arikuenda iye achidzoka haana kuziva kwaari kuenda ndiko kwaabva. Nepatichafamba vana vematare tigosiya matsimba achateerwa nevaduku vedu sekutevera kwatiri kuita matsimba akasiwa nevakuru vedu.
Changamire soko (Chirayira Nhaka)